Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu, asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu. “Handigamuchiri kurumbidzwa kunobva kuvanhu, asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu. Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira. Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga? “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari. Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu. Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?”
Verenga chikamu Johani 5
Terera ku Johani 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 5:39-47
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo