Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.” Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!” Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”) Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?” Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.” Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?” Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi. Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.
Verenga chikamu Johani 21
Terera ku Johani 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 21:18-25
3 Mazuva
Kristu akamuka kuvakafa anoramba achienda mberi nekutungamira, kubatsira nekutuma vateveri vake. Tichitarisa kudzoreredzwa kwaPita, tinoona kuti kunyange munhu akakundikana paupenyu, hazvireve kuti ukama naKristu hwapera. Jesu akamirira kutidzoreredza nokutishandisa paurongwa hwake. Shoko iri ritotisimbaradza kuti tigone kusangana naJesu munzira dzedu dzemazuva ese, kuti tinzwe inzwi rake, nekugashira kuregererwa kwezvivi pamwe nekumutevera.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo