Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 19:39-42

Johani 19:39-42 BDSC

Akanga achiperekedzwa naNikodhimasi, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimasi akauya nezvakavhenganiswa zvemura negavakava, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana. Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuhwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha. Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo. Nokuti rakanga riri zuva rokugadzirira ravaJudha, uye sezvo guva raiva pedyo, vakaradzika Jesu imomo.