Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 18:25-27

Johani 18:25-27 BDSC

Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.” Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?” Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira.