Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite. Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa. “Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu. Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma.
Verenga chikamu Johani 17
Terera ku Johani 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 17:1-8
3 Mazuva
Jesu anoratidza rudo nekubatikana pamusoro peavo vaimutevera. Munyengetero wake unopa kushinga kune vatendi, mukuva neumwechete hwaanoda kwatiri iye achitimiririra. Kubudikidza nemashoko aJesu, tine udzamu weukama hwatinoona hwaMwari neMwanakomana nechinangwa chebasa rake panyika ino. Munyengetero wake unotikokera kuti tive nekunzwisisa kwakadzika pakubatana, kutenda nerudo murwendo rwedu naKristu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo