Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai. “Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai. Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu. Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma. Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo. Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu. Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu. Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’ “Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu. Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.
Verenga chikamu Johani 15
Terera ku Johani 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 15:13-27
13 Mazuva
Bhaibheri irondedzero yaMwari maererano nemarudzi evanhu - Asi mumabhuku makumi matanhatu nematanhatu, nemazwi akawanda evatauri munguva dzakasiyana, hazvisi nyore kukuvanidza nyaya iyi kuva chinhu chimwe. Mwari vari kumboti kudini? Muchidzidzo chiri pano uchatevera ndima dzakakosha gumi nenhatu kubvira pakusikwa kwazvose dzamara kuna Kristu, tichivhendenyura rudingindira rwenhoroondo dzemubhaibheri. Waranura kudonha kwakaita rudzi rwemunhu, nekuvarira kwaMwari kudzosa kuyanana.
2 Weeks
Jesus Himself said anyone who loves Him will obey His teaching. No matter what it costs us personally, our obedience matters to God. The "Obedience" reading plan walks through what the Scriptures say about obedience: How to maintain a mindset of integrity, the role of mercy, how obeying frees us and blesses our lives, and more.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo