Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.” Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?” Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni. Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,” asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari. Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze. Uye hwaiva usiku.
Verenga chikamu Johani 13
Terera ku Johani 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 13:21-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo