Ipapo Jesu akadanidzira akati, “Munhu anenge achitenda kwandiri, haatendi kwandiri bedzi, asiwo nokuna iye akandituma. Paanonditarisa, anoona iye akandituma. Ndakauya panyika sechiedza, kuti kurege kuva nomunhu anotenda mandiri angagara murima. “Kana pane munhu zvake anonzwa mashoko angu, asi akasaachengeta, ini handimutongi. Nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoiponesa. Pano mutongi achatonga munhu anondiramba uye asingagamuchiri mashoko angu; shoko riya chairo randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira. Nokuti handina kungozvipupurira pachangu, asi Baba vakandituma ndivo vakandirayira zvokutaura namatauriro acho. Ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi. Saka zvose zvandinoreva ndizvo chaizvo zvandakanzi nditaure naBaba.”
Verenga chikamu Johani 12
Terera ku Johani 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 12:44-50
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo