Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:40-44

Johani 11:40-44 BDSC

Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.” Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”