Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 11:4-7

Johani 11:4-7 BDSC

Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.” Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.”