Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.” Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”
Verenga chikamu Johani 11
Terera ku Johani 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 11:21-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo