Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 10:7-10

Johani 10:7-10 BDSC

Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai. Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa. Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro. Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.