Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:6-10

Johani 1:6-10 BDSC

Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva.