Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 52:5-7

Jeremia 52:5-7 BDSC

Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha