Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 33:1-11

Jeremia 33:1-11 BDSC

Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti, “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’ Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo, mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka. Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga. Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira. Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’ “Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “ ‘ “Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.