Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 32:37-41

Jeremia 32:37-41 BDSC

Zvirokwazvo ndichavaunganidza kubva kunyika dzose dzandakanga ndavadzingira pakutsamwa kwangu kukuru nehasha dzangu huru; ndichavadzosazve kunzvimbo ino ndigovagarisa zvakanaka. Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera. Ndichaita sungano isingaperi navo: handingatongomiri pakuvaitira zvakanaka uye ndichavakurudzira kuti vanditye, kuitira kuti varege kuzotsauka kubva kwandiri. Ndichafarira kuvaitira zvakanaka uye zvirokwazvo ndichavasima munyika ino, nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose.