“Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo. Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda. Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.” Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote. Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Verenga chikamu Jeremia 29
Terera ku Jeremia 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 29:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo