Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 29:11-14

Jeremia 29:11-14 BDSC

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”