Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, njodzi iri kupararira ichibva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe; dutu guru rasimuka richibva kumagumo enyika.” Panguva iyo vakaurayiwa naJehovha vachava pose pose vachibva kuno mumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe. Havangachemwi kana kuunganidzwa, kana kuvigwa, asi vachava somupfudze uri pamusoro penyika. Chemai uye muungudze, imi vafudzi; umburukai muguruva, imi vatungamiri veboka. Nokuti nguva yokuurayiwa kwenyu yasvika; muchawa mugopwanyika somudziyo wakanaka wevhu. Vafudzi vachashayiwa kwokutizira, uye vakuru veboka vachashayiwa kwokutizira. Inzwai kuchema kwavafudzi, kuungudza kwavatungamiri veboka, nokuti Jehovha ari kuparadza mafuro avo. Mafuro ano runyararo achaparadzwa nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha. Seshumba, achabva panzvimbo yake yokuvanda, uye nyika yavo ichaparadzwa nokuda kwomunondo womumanikidzi, uye nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
Verenga chikamu Jeremia 25
Terera ku Jeremia 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 25:32-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo