Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika, imi makakombwa. Nokuti zvanzi naJehovha: “Panguva ino ndichapotsera kure avo vanogara munyika ino; Ndichauyisa nhamo pamusoro pavo kuti vagotapwa.” Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu! Ronda rangu harirapiki! Asi ndakati, “Uku kurwara ndokwangu, uye ndinofanira kukutakura.” Tende rangu raparadzwa; mabote aro ose adamburwa. Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve; hakuna asara zvino kuti amise tende rangu kana kumisa dumba rangu. Vafudzi havana njere, uye havabvunzi Jehovha; saka havabudiriri uye makwai avo ose apararira. Inzwai! Chiziviso chiri kuuya, bope guru richabva kunyika yokumusoro! Richaita kuti maguta eJudha aparare, agarwe namakava. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake; hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake. Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira, kwete mukutsamwa kwenyu, kuti murege kundiparadza zvachose. Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pendudzi dzisingakurangarirei, pamusoro pavanhu vasingadani kuzita renyu. Nokuti vakadya Jakobho; vakamudya zvachose, uye vakaparadza nyika yake.
Verenga chikamu Jeremia 10
Terera ku Jeremia 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 10:17-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo