Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.” Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.” Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure, ubvarure, uparadze, ukoromore, uvake uye usime.” Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.” Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.”
Verenga chikamu Jeremia 1
Terera ku Jeremia 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 1:4-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo