VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe. Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyirira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare. VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nyika yavo. Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro. Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze. VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire.
Verenga chikamu Vatongi 6
Terera ku Vatongi 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 6:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo