Ipapo Dhibhora akati kuna Bharaki, “Enda! Iri ndiro zuva rapiwa Sisera mumaoko ako naJehovha. Ko, Jehovha haasi mberi kwako here?” Saka Bharaki akaburuka muGomo reTabhori, achiteverwa navarume zviuru gumi. Pakungofamba kwaBharaki, Jehovha akakunda nomunondo Sisera nengoro dzake dzose nehondo yake, uye Sisera akasiya ngoro yake akatiza netsoka. Asi Bharati akatevera ngoro nehondo yaSisera akandosvika kuHarosheti Hagoyimi. Mauto ose aSisera akaurayiwa nomunondo; hapana munhu akasara. Kunyange zvakadaro hazvo, Sisera akatiza netsoka akaenda kutende raJaeri, mukadzi waHebheri muKeni, nokuti pakati paJabhini mambo weHazori nemhuri yaHebheri pakanga pane kunzwanana. Jaeri akabuda kuti andosangana naSisera akati kwaari, “Uyai ishe wangu, pindai zvenyu mukati chaimo. Musatya.” Saka akapinda mutende rake, uye akaisa chifukidzo pamusoro pake. Akati, “Ndine nyota. Ndapota, ndipeiwo mvura.” Akadziura guchu romukaka, akamupa kuti anwe, ndokubva amufukidza hake. Akatizve kwaari, “Mira pamukova wetende. Kana mumwe munhu akauya pano akakubvunza achiti, ‘Pano munhu here pano?’ uti, ‘Kwete.’ ” Asi Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende nenyundo akaenda paari chinyararire, iye akafa nehope, aneta. Akaroverera mbambo napachavovo, ikanyura muvhu, akafa.
Verenga chikamu Vatongi 4
Terera ku Vatongi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 4:14-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo