Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda. Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu. Uyezve, akanyengetera, denga rikanayisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo. Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora, murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.
Verenga chikamu Jakobho 5
Terera ku Jakobho 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 5:16-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo