Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 5:16-20

Jakobho 5:16-20 BDSC

Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda. Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu. Uyezve, akanyengetera, denga rikanayisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo. Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora, murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.