Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 2:18-20

Jakobho 2:18-20 BDSC

Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita. Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera. Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?