Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei. Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita. Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo. Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Verenga chikamu Jakobho 1
Terera ku Jakobho 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 1:22-27
3 Mazuva
Kuva nehunhu wehuMwari atizviite toga kana kuti kubhadharwa nekuda kwemabasa. Izvi zvinoitwa bedzi naMwari paanenge achitishanda kubva mumunhu wemukati. Iyi dzidziso yeunhu haichanyanyotaurwa nezvayo asi ine zvainoita zvakawanda muchiKristu chedu. Jesu akava muenzaniso wehupenyu uhu akakwanisa kuita kuti utapukire muvadzidzi. Izvi zvakaonekwa paakaenda kudenga kuti vanhu vakazoti vachiona vadzidzi vakavatumidza kuti ma Kristu nekuti vaiona unhu waKristu mavari. Chidzidzo chino chichabata nyaya iyi kwete muhudzamu hwayo.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo