Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:16-21

Jakobho 1:16-21 BDSC

Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake. Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.