Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho; richawira pamusoro paIsraeri. Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo, “Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.” Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo. VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa. Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe, zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe; vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro, vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe. Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa, navose vanotungamirirwa vanotsauswa. Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya, kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi, nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi.
Verenga chikamu Isaya 9
Terera ku Isaya 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 9:8-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo