Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 58:5-6

Isaya 58:5-6 BDSC

Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha? “Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe?