Isaya 48:17-18
Isaya 48:17-18 BDSC
Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri: “Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo. Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa.

