Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 43:16-19

Isaya 43:16-19 BDSC

Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji, iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje: “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura. Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.