Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 42:5-10

Isaya 42:5-10 BDSC

Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo: “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti usvinudze meso asingaoni, usunungure vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima. “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo. Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.” Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo.