“Tarirai muranda wangu, wandinotsigira,
musanangurwa wangu wandinofarira;
Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake,
uye achavigira ndudzi kururamisirwa.
Haazodanidziri kana kuridza mhere,
kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta.
Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni,
uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi.
Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira;
haangakoniwi uye haangaperi simba
kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika.
Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.”
Zvanzi naMwari Jehovha,
iye akasika matenga akaatatamura,
akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi,
anopa kufema kuvanhu vayo,
noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:
“Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama;
ndichabata ruoko rwako.
Ndichakuchengeta ndigokuita
kuti uve sungano yavanhu
nechiedza kune veDzimwe Ndudzi,
kuti usvinudze meso asingaoni,
usunungure vakasungwa mutorongo
uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.
“Ndini Jehovha; ndiro zita rangu!
Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe,
kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.
Tarira, zvinhu zvakare zvaitika,
uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva;
izvo zvisati zvavapo
ndinozvizivisa kwamuri.”
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,
murumbidzei kubva kumagumo enyika,
imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri,
imi zviwi, navose vanogaramo.
Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire;
nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare.
Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro;
ngavapururudze pamusoro pemakomo.
Ngavape rukudzo kuna Jehovha
uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.
Jehovha achabuda somunhu ane simba,
semhare, achamutsa kushingaira kwake;
nokudanidzira, achamutsa kurwa
uye achakunda vavengi vake.
“Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu,
ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora.
Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka,
ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira.
Ndichaparadza makomo nezvikomo,
uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera;
ndichashandura nzizi dzikava zviwi,
uye madziva ndichaaomesa.
Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi,
nomumakwara avasina kuziva,
ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo
uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere.
Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita;
handizovasiya.
Asi ivo vanovimba nezvifananidzo,
vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’
vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.
“Inzwai, imi matsi;
tarirai, imi mapofu, muone!
Ndianiko bofu, asi muranda wangu,
uye matsi kufanana nenhume yandinotuma?
Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri,
kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?
Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya;
nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.”