“Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara. Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira. Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri. “Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza, una meno mazhinji. Uchapura makomo ugoapwanya, uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi.
Verenga chikamu Isaya 41
Terera ku Isaya 41
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 41:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo