Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 40:1-5

Isaya 40:1-5 BDSC

Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro. Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje. Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani. Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”