Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 24:1-6

Isaya 24:1-6 BDSC

Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika achiiparadza zvachose; achanyangadza kutarisika kwayo uye achaparadzira vanogaramo, zvichangofanana, zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu, zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda, zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri, zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi, zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa, zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu. Nyika ichaparadzwa zvachose uye ichatorerwa zvayo zvose. Jehovha ataura shoko irori. Nyika inooma uye inosvava, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa. Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi. Naizvozvo chituko chinoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa, uye vashoma ndivo vasara.