Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 13:6-9

Isaya 13:6-9 BDSC

Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose. Naizvozvo maoko ose achashaya simba, mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika. Kutya kuchavabata, kurwadziwa nokugomera zvichavabata, vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka. Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo, zviso zvavo zvichipfuta. Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya, zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa, kuti nyika ive dongo uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo.