Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 9:16-22

VaHebheru 9:16-22 BDSC

Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapowo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita, nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa. Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu. Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.” Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi. Zvirokwazvo, murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.