Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano. Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha, Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe. Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu. Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.” Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.
Verenga chikamu VaHebheru 8
Terera ku VaHebheru 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 8:7-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo