Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita. Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene, vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena. Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari. Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.
Verenga chikamu VaHebheru 6
Terera ku VaHebheru 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 6:3-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo