Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu. Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa. Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye, nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”
Verenga chikamu VaHebheru 12
Terera ku VaHebheru 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 12:1-6
5 Mazuva
Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo