Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:7-8

VaHebheru 11:7-8 BDSC

Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda. Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.