VaHebheru 11:1-3
VaHebheru 11:1-3 BDSC
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi.

