Habhakuki 2:1-3
Habhakuki 2:1-3 BDSC
Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku. Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya. Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

