“Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa uye achava zororo rezvikepe; muganhu wake uchasvika paSidhoni. “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai. Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye achava mubatiri wechibharo. “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri. Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure. “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha. “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo. “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo. “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa, inobereka tsvana dzakaisvonaka.
Verenga chikamu Genesisi 49
Terera ku Genesisi 49
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 49:13-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo