Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.
“Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho;
teererai kuna baba venyu Israeri.
“Rubheni, iwe uri dangwe rangu,
simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu,
unokunda mukukudzwa, unokunda musimba.
Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve,
nokuti wakakwira panhoo yababa vako,
panhoo yangu uye ukaisvibisa.
“Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna,
minondo yavo zvombo zvokurwa.
Ngandirege kupinda parangano yavo,
ngandirege kuva paungano yavo,
nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo
uye vakagura marunda enzombe sezvavaida.
Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai,
uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai!
Ndichavaparadzira muna Jakobho
uye ndigovatsaura muna Israeri.
“Judha, hama dzako dzichakurumbidza;
ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako;
vanakomana vababa vako vachakotama kwauri.
Uri mwana weshumba, iwe Judha;
unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu.
Seshumba anonyangira uye anovata pasi,
seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha,
uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake,
kusvikira asvika kumuridzi wawo,
uye kuteerera kwendudzi ndokwake.
Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa,
nomwana wayo padavi rakaisvonaka;
achasuka nguo dzake muwaini,
zvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
Meso ake achasviba kupfuura waini,
meno ake achachena kupfuura mukaka.