Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru, akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa. Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva. Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva. Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa. Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?” Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.”
Verenga chikamu Genesisi 40
Terera ku Genesisi 40
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 40:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo