Josefa akarota hope, uye paakaudza madzikoma ake izvozvo, vakanyanya kumuvenga. Akati kwavari, “Inzwai hope dzandakarota idzi: Takanga tichisunga zvisote zvezviyo kumunda onei pakarepo chisote changu chakasimuka chikamira chakati twi, asi zvisote zvenyu zvakaungana zvakapoteredza changu uye zvikakotama kwachiri.” Madzikoma ake akati kwaari, “Ko, iwe unoda kutitonga here? Ko, zvirokwazvo uchatitonga here iwe?” Uye vakanyanyisa kumuvenga nokuda kwokurota kwake uye nokuda kwezvaakanga ataura.
Verenga chikamu Genesisi 37
Terera ku Genesisi 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 37:5-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo