Asi vakamuona achiri kure, asati asvika kwavari, vakarangana kumuuraya. Vakataurirana vachiti, “Hoyo muroti uya ouya! Uyai zvino timuuraye tigomukanda mune rimwe ramatsime aya tigoti akadyiwa nechikara. Ipapo tichazoona zvinobva pakurota kwake.” Rubheni akati anzwa izvi, akaedza kumununura kubva mumaoko avo. Akati, “Ngatiregei kumuuraya. Regai kuteura ropa. Mukandei mutsime iri muno mugwenga, asi regai kutambanudza maoko enyu paari.” Rubheni akareva izvozvi kuti amununure kwavari uye kuti agomudzosera kuna baba vake. Saka Josefa akati asvika kumadzikoma ake, vakamubvisa nguo yake, iyo nguo iya yakanga yakaisvonaka, yaiva nemavara-mavara yaakanga akapfeka, uye vakamutora vakamukanda mutsime. Zvino tsime rakanga rapwa risina mvura.
Verenga chikamu Genesisi 37
Terera ku Genesisi 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 37:18-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo