Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 33:1-3

Genesisi 33:1-3 BDSC

Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri. Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure. Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake.